Shona Methodist Hymns
Hymn 181 Hoyo mushandiri waShe! Lyrics
Hoyo mushandiri waShe!
Ndoda kurairwa nemi
Kuchengeta shoko renyu
Nokuedza kuda kwenyu;
Ndisaite kuda kwangu,
Ndizadzise kururama.
Kana mandinzwira ngoni
Kuti ndiitiswe basa,
Sarudzai zvamunoda,
Asi garai mandiri;
Zviito ngazvive zvenyu
Zvakanaka, zvakakwana.
Pfungwa dzangu dzose Ishe
Ngadzitungamirwe nemi,
Basa rangu rive renyu,
Ndiro rakakwana chose;
Ndiro rinofadza baba,
Renyu roga rakanaka.
Ndinozviisa kwamuri,
Ndiri ivhu, mundiumbe;
Mundiite hari yenyu,
Ndikutererei chose;
Ndive mushandiri wenyu
Paupenyu napakufa.