Shona Methodist Hymns
Hymn 141 Ndinofara kuti baba wedu Lyrics
Ndinofara kuti baba wedu
Wareva rudo rwake rukuru,
Murugwaro rwake rwakanaka
Ndonzwa kuti Jesu anondida.
**CHORUS**
Ndinofara Jesu wandida,
Anondida, anondida;
Ndinofara Jesu wandida,
Ini anondida.
Kana ini ndichimukanganwa
Iye anogondiyeuchidza;
Zvino kwaari ndinodzokera,
Ndonzwa kuti Jesu anondida.
Jesu anondida ini kwazvo,
Saka wandipa upenyu hwake ;
Kutadza kwangu wakakufira;
Ndonzwa kuti Jesu anondida.
Mwoyo wangu uno Muyamuri
Ndinotenda Jesu Mununuri;
Zvino ndinogomubatirira
Nokuti ndonzwa Jesu wandida.