Shona Methodist Hymns
Hymn 140 Vazhinji vanayo nhaka Lyrics
Vazhinji vanayo nhaka
Yavanozviinzwa nayo;
Vazhinji vanayo pfuma
Vanozvifarisa nayo.
Handizvidze zvipo zvenyu
Zvohwu upenyu huripo;
Asi imi Ishe Jesu
Muri nhaka yangu kwazvo.
Kunyange ndanga ndisina
Zvinhu zvoruno rugaro;
Ndinemi muridzi wazvo,
Ndine zvinhu zvose nemi.
Kana mava wangu Jesu
Ndakwana nezvinhu zvose;
Nezvi zviripo ndezvangu,
Nezvinouya ndezvangu.
Neino nyika ndeyangu,
Nairo denga nderangu;
Nahwo upenyu ndohwangu,
Nokunakirwa ndokwangu.
Hahupere uhwo’penyu
Huri nhaka yangu nemi;
Kunakirwa hakupere,
Kwandakawana kunemi.