Shona Methodist Hymns
Hymn 14 Hozana wokudenga Lyrics
Hozana wokudenga
Ndo’imba nezwi rangu,
Kumwana waDhavhidhi
Wouya kwandiri;
Hozana, ndiyamure
Pakurema kwangu
Wouya asadanwa
Muponisi wangu.
Ndasunungurwa nemi
Mutorongo rangu;
Rakadimurwa nemi
Iro joti rangu;
Rakandirasikisa
Ndasiya upenyu,
Makandifarisazve
Pakuchema kwangu.
Ndoshonga dzakadini
Zvomondishanyira?
Ndigadzirirei imi
Mwoyo wangu wose;
Ndoupira kwamuri
Mununuri wanguNdopfugama kwamuri
Chokwadi She wangu.