Shona Methodist Hymns
Hymn 12 Ndinoshamiswa kwazvo Lyrics
Ndinoshamiswa kwazvo
Namabasa makuru
Akaitiwa nemi,
Ose anorumbidza;
Ukuru hwenyu Mwari
Hunoshamisa kwazvo.
Kana ndarangarira
Mabasa okudenga,
Kana ndarangarira
Mabasa apanyika,
Inobuda misodzi
Kana ndafunga imi.
Mwari vatatumumwe,
Itai tikudei;
Nokuti makatida,
Makazotipa Jesu;
Matipa Mweya wenyu
Wokutisimbaradza.
Rumbidza iwe denga!
Rumbidza iwe nyika!
Rumbidza iwe gungwa!
Nesu ngatirumbidze!
Uyu musiki wedu,
Ano rudo rukuru