Shona Methodist Hymns
Hymn 10 Mufudzi ndiye Jehovha Lyrics
Mufudzi ndiye Jehovha,
Anondichengeta,
Hapana chandinoshaya
Ndichivimba naye.
Pana mafuro manyoro
Ndinoguta kwazvo,
Ndinorara norugare
Ndisingavhundutswe.
Anomutsa mweya wangu
Anondiponisa,
Panzira dzokururama
Anondifambisa.
Nyangwe ndifambe murima
Handingatye chinhu
Nokuti imi muneni
Munondinyaradza
Mandigadzirira kudya
Mberi kwavavengi,
Mandizodza namafuta
Handishaye chinhu
Nduramo netsitsi dzenyu
Zvinozova neni,
Ndichagara naJehovha
Nokusingapere.