Shona Baptist Hymns
Hymn 90 Ndinofara Kuti Baba Wedu
1
Ndinofara kuti Baba vedu,
Vaudza rudo rwavo rukuru;
Parugwaro rwavo rwakanaka,
Vakandiudza Jesu wandida.
KORASI
Ndinofara Jesu wandida,
Anondida; anondida.
Ndinofara Jesu wandida,
Ini, anondida.
2
Jesu anondida, ndinomuda,
Rudo rwake rwakandinunura;
Saka wakafa pamuchinjikwa.
Ndinonyatsoziva, anondida.
3
Kana ndinobvunzwa, ndoiteyi?
Hareruya, ndoziva chokwadi!
Mweya Mutsvene unondiudza,
Wopupura Jesu anondida.
4
Ndozorora mukuziva uku,
Zvino ndokomborerwa naJesu;
Nazvo Satani anotambudzwa,
Ndichimuudza Jesu wandida.