Shona Baptist Hymns
Hymn 85 Kuterera Kuvimba naJesu
1
Tichifamba isu neizwi raJesu,
Anovenekera panzira;
Tichiita kuda kwaJesu wotida,
Anogara nesu nesimba.
KORASI
Kuterera, kuvimba naJesu,
Ndiyo nzira kuwana
Rufaro rukuru.
2
Kana tingaone mimvuri, makore,
Zvichabviswa noUso hwake!
Pasina nokutya; hapana kuchema,
Kana tichivimba naIshe.
3
Pasina mutoro; hapana chisuwo,
Basa redu watiripira;
Pasina kutadza; hapana M’chinjikwa,
Naye tichazokomborerwa.
4
Hatizivi rudo, rufaro rvaMambo,
Tisingazvipiri kuna She; .
Nyasha waratidza; rufaro watipa;
Ndorwavo vanovimba naye.
5
Nomukuwadzana naye tichagara;
Tichafamba naye munzira;
Tichamuterera; tichamutevera,
Hatichazotyi; tichavimba.