Shona Baptist Hymns
Hymn 38 Hakuna Mumwe SaJesu Ishe
1
Hakuna mumwe saJesu Ishe,
Halcuna mumwe ‘po;
Mumwe angatiponese, here?
Hakuna mumwe ‘po.
KORASI
She chete angatiponese,
She woga angatinatse,
Hakuna mumwe saJesu Ishe,
Hakuna mumwe ’po.
2
Hakuna mumwe mutsvene saShe,
Hakuna mumwe ‘po,
Kana munyoro woita sa’ye,
Hakuna mumwe ‘po.
3
Hakuna wo angatichengete,
Hakuna mumwe ’po,
Mumwe angasare nesu, here?
Hakuna mumwe ’po.
4
Mumwe angakunde Satan’, here?
Hakuna mumwe ’po,
Hakuna mumwe angazviite,
Hakuna mumwe ‘po.
5
Hakuna wo angabvise zvivi,
Hakuna mumve ’po,
Iye woga ari Mununuri,
Hakuna mumwe ’po.