Shona Baptist Hymns
Hymn 36 Jesu, Jesu, Jesu
1
Mumwoyo mangu dziri nziyo,
She wareva kwandiri,
“Rega kutya; ndiri newe,
Nhas’ nokusingaperi.”
KORASI
Jesu, zita rake,
Rakanakisa,
Rinondizadzisa,
Ndofamba ndichiimba.
2
Nezvivi zvangu ndakanetswa,
Kusuwa kwakapinda,
She wakabyisa zvivi zvangu,
Uye wandifadzisa.
3
Ndinofarisa naKristu She,
Wondibatsira chose,
Ndichafamba munzira yake,
Ndomuda misi yose.
4
Kunyange ndanetswa munyika,
Kunyange ndatambudzwa,
Ndinoona Jesu muzvose,
Ari neni mis’ yose.
5
Nerimwe zuva achadzoka,
Anditore kudenga,
Ndichamukudza misi yose,
Nokuti wandinatsa.