Shona Baptist Hymns
Hymn 29 Muri M’kuru
1
Mwari Ishe zvandinofungidzira,
Panyika dzose dzamakasika;
Ndonzwa dutu, ndinoona nyenyedzi,
Simba renyu raratidzwa kwose.
KORASI
Ndichaimba M’ponesi She wangu,
Muri M’kuru, Muri M’kuru,
Ndichaimba M’ponesi She wangu,
Muri M’kuru, Muri M’kuru,
2
Zvandofamba mudondo ramapani,
Ndonzwa shiri dzoimba mumiti;
Ndichiona kubva pagomo refu,
Ndonzwa mvura nokutonhorera.
3
Zvandofunga zvatakapiwa naye,
Nokufa kwake, ndinozadziswa;
Pam’chinjikwa wanzwa kurema kwangu,
Neropa wafira zvivi zvangu.
4
Kristu achidzokera nokukunda,
Wanditora, ndichafadziswa seyi
Ndichakudza nokukotama hangu,
Ndoparidza Ishe, Muri M’kuru.