Shona Baptist Hymns
Hymn 22 Zuva Rimwe
1
Zuva rimwe She waiva kudenga,
Wakatarisa zvivi panyika;
Wakaburuka kuti azvarirwe
Mumba memombe, andiponese.
KORASI
Wakaburuka; wakazvarirwa;
Wakandifira pamuchinjikwa.
Wakandiponesa mazuva ose;
She achadzoka nerimwe zuva!
2
Zuva rimwe Jesu wakatifira,
Isu vatadzi pamuchinjikwa;
Wakatakura zvivi zvedu zvose,
Atiregerere misi yose.
3
Zuva rinwe Jesu She wakavigwa;
She wakaiswa muguva rake;
Vatumwa vakaburuka panyika;
Vakagadzira kumuka kwake.
4
Zuva rimwe She Jesu wakamuka;
Dombo rakabviswa navatumwa;
Kumuka kwake kwakakunda Satan’;
Zwino She Jesu ari kudenga.
5
Nerimwe zuva She achadzokera,
Panyika apiwe ushe hwake,
Ipapo vose vachamunamata;
Vachamukudza mazuva ose!