Shona Baptist Hymns
Hymn 205 Ndokunda Muna Jesu
1
Ndakanzwa nyaya huru,
Pam’soro paJesu Kristu
Wakandifira pam’chinjikwa,
Agondiponesa;
Ndakanzwa zvokusuwa,
Rudo rwake wo, nenyasha
Dzakapiwa pam’chinjikwa
Ndigotendeuka.
KORASI
Ndokunda muna Jesu,
Mponesi, She wangu,
Wondida; wanatsa-
Wo neropa rake;
Ndisati ndamuziva,
Wakandida nenyasha,
Saka nhas’
Ndozvipira,
Kwaari saIshe!
2
Ndakanzwa zvokurapa
Kwomuriri wo nenyasha;
Wakafambisa wo zvirema,
Bofu rikaona;
Ndakadana, “She Jesu,
Chiponesai mweya wangu,”
Saka Jesu wakauya,
Wakandiponesa!
3
Ndakanzwa wo zvedenga,
Jesu wakarigadzira,
Vanhu vose vanosvika ‘ko,
Vachafara kwazvo:
Ngatizvigadzirirei,
Kuti tisvike kwaari,
Tirumbidze Muponesi
Nokusingaperi!