Shona Baptist Hymns
Hymn 138 Ngatibatei Nesimba
1
Ngatibatei nesimba; tisavirirwa ’po;
Ngatibatei mangwana nokwadziya wo.
Ngatibatei ropisa, namasikati wo;
Ngatibatei nesimba, zuva richi’po.
2
Ngatibatei nesimba; tisavirirwa ’po;
Ngatibatei mis’ yose, tichisungawo;
Nenhambo imwe n’imwe ngatibatei nayo;
Ngatibatei nesimba; zuva richi’po.
3
Ngatibatei nesimba; tisavirirwa ’po;
Rima roda kusvika, ch’edza chichi’po;
Ngatibatei kwasviba, namadekwana wo;
Negatibatei nesimba, zuva richi’po.