Shona Baptist Hymns
Hymn 112 Panguva Yokuteura
1
Panguva yokuteura
Ndinonyaradzwa naBaba;
Ndouya nokukumbira
Nokushaya kunaBaba;
Panguva yokutambudzwa
Mweya wangu wanyaradzwa,
Ndinokunda mukuedzwa
Panguva yokuteura.
2
Panguva yokuteura,
Inguva yokukumbira
Kwaari, anovimbika,
NdiMwari wokuyamura;
Iye anondidaidza
Kumutsvaka nokuvimba,
Ndomuudza kutambudzwa,
Panguva yokuteura.
3
Panguva yokuteura
Ngandiwane kuyamura,
Ndichingogara panyika,
Misi yose ndoteura;
Kana ndichisiya nyika
Kuti ndiende kudenga,
Ndichatenda; ndichakudza
Nguva ’yo yokuteura.