Shona Anglican Hymn 89 Nhasi wamuka mukufa
1. NHASI wamuka mukufa,
Ngerosi dzinofara,
Jesu watomuka chose,
Nesimba rake rose.
2. Wakunda vavengi vese
Rufu, chitadzo, nyika
Navaipi vachipenga:
Tikudze Tenzi wedu.
3. Ngerosi zvino yasvika,
Yazarura guva’ro,
Jesu Tenzi wararama:
Tikudze Mambo wedu.
4. Farai zvino Vatsvene
Kudenga, navo pasi,
Jesu wapedza kurwako:
Tikudze Tenzi wedu.
5. Wakamuka achifara:
Kufa kwakakundwa ndiye.
Kuti tafa muchitadzo,
Timuke pamwe naye