Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 89 Nhasi wamuka mukufa Lyrics

Shona Anglican Hymn  89  Nhasi wamuka mukufa

 

1. NHASI wamuka mukufa,

Ngerosi dzinofara,

Jesu watomuka chose,

Nesimba rake rose.

2. Wakunda vavengi vese

Rufu, chitadzo, nyika

Navaipi vachipenga:

Tikudze Tenzi wedu.

3. Ngerosi zvino yasvika,

Yazarura guva’ro,

Jesu Tenzi wararama:

Tikudze Mambo wedu.

4. Farai zvino Vatsvene

Kudenga, navo pasi,

Jesu wapedza kurwako:

Tikudze Tenzi wedu.

5. Wakamuka achifara:

Kufa kwakakundwa ndiye.

Kuti tafa muchitadzo,

Timuke pamwe naye

Exit mobile version