Shona Anglican Hymn 80 Tadaidzwa kusanga
1. TADAIDZWA kusangana
Pano paChidyo cheNyenye;
Takabira nyanza Tsvuku
Tiimbire Jesu Mambo.
2. PaOtari yoM’chinjiko
Wakatiripira mhosva;
Ropa rake ngatirimwe,
Tigare naye ndiMwari.
3. Vanhu vakasunungurwa
Muhasha dzaMambo Faro;
Vachiponiswa usiku
Pakapfuura ngerosi.
4. M’ponisi wakabaiwa,
. SeNyenye isina vara;
Nyama yake, chingwa chedi,
Inondopiwa kunesu.
5. Muteuro unokwana,
Wakakurira Gehrna;
Vasungwi vasunungurwa,
Vapiwa upenyu ndiye.
6. Tiri kukudza rumuko;
Rwakauyazve nesimba,
Rukasunga mhandu yedu,
Nokutiwanira musha.
7. Mbiri ngaive kunewe.
Wakamukazve mukufa,
Mbiri kuna Mwari Baba,
Nokuna Mweya Mutsvene. Amen.