Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 80 Tadaidzwa kusanga Lyrics

Shona Anglican Hymn  80  Tadaidzwa kusanga

 

1. TADAIDZWA kusangana

Pano paChidyo cheNyenye;

Takabira nyanza Tsvuku

Tiimbire Jesu Mambo.

2. PaOtari yoM’chinjiko

Wakatiripira mhosva;

Ropa rake ngatirimwe,

Tigare naye ndiMwari.

3. Vanhu vakasunungurwa

Muhasha dzaMambo Faro;

Vachiponiswa usiku

Pakapfuura ngerosi.

4. M’ponisi wakabaiwa,

. SeNyenye isina vara;

Nyama yake, chingwa chedi,

Inondopiwa kunesu.

5. Muteuro unokwana,

Wakakurira Gehrna;

Vasungwi vasunungurwa,

Vapiwa upenyu ndiye.

6. Tiri kukudza rumuko;

Rwakauyazve nesimba,

Rukasunga mhandu yedu,

Nokutiwanira musha.

7. Mbiri ngaive kunewe.

Wakamukazve mukufa,

Mbiri kuna Mwari Baba,

Nokuna Mweya Mutsvene. Amen.

Exit mobile version