Shona Anglican Hymn 46 Mberi kwamakomo
MBERI kwamakomo
Amabvazuva,
Kunosvika vanhu
Vane kuziva
Vari kuchamira
Muiro basa,
Vakatungamidzwa
Ngenyenyedzi’yo.
Ruveneko rwavo
NdiMuponisi,
Uyo wazviita
Mutungamidzi;
Anovenekera
Vanhu vekare,
Sezvo yakaita
Nyenyedzi yake
Unganisa, Tenzi,
Vakarasika;
Uvavekere
Vari panzira,
Batsira vafambi
Kuti vazhinji
Vatevere kwazvo
Iyo nyenyedzi.
Jesu, Muchengeti
Titungamidze;
Gara uchipenya
Pamsoro pedu;
Batsira vakuru
Navadukuzve,
Nava vamaJuda
Navanhu vese
Jesu, wakarara
Mukachidyiro,
Unotonga zvino
Vamambo vese;
Unganisa avo
Panzvimbo dzese
Vasakamboona
Nyenyedzi yako
Kuchavapo ngedi
Ndudzi dzavanhu,
Vari kutevera
Mureza wako,
Kure kumakomo
Kumusha kwavo,
Uko kusinaba
Kufa nenhamo
l