Shona Anglican Hymn 45 Zvino ratunga gwenzi
Nhungamiri.ZVINO ratunga gwenzi;
Vanhu.Baba ngaatunhidzwewo.
Rabva mudzinde kwaro;
Mwana ngaatunhidzwewo.
Remudzi wasaJese’ngeizwi raIsaya;
Mweya ngautunhidzwewo.
MuprofitiIsaya
Baba ngaatunhidzwewo
Wakafembera iro
Mwana ngaatunhidzwewo
Gwenzi rinonzi Roziri richazobereka
Mweya ngautunhidzwewo
Mutiyo ndiMaria
Baba ngaatunhidzwewo
Wakabara Ruva Jesu
Mwana ngaatunhidzwewo
Ona Karuva aka kamwana kakapfava
Mweya ngautunhidzwewo
Kunyika inoyera
Baba ngaatunhidzwewo
Kwakange kune chando
Mwana ngaatunhidzwewo
Usiku hwati zvi Mwari wakava munhu
Mweya ngautunhidzwewo.
Kwakange kune chando
Baba ngaatunhidzwewo
Usiku hwakasvipa
Mwana ngaatunhidzwewo
Ngerosi dzoti ngwee dzichiimba ngeMwana
Mweya ngautunhidzwewo
Mbiri’ ko kunaMwari
Baba ngaatunhidzewo
Kuna Mwari kumusoro
Mwana ngaatunhidzwewo
Rugare kunesuwo ngatifare ndiJesu
Mweya ngautunhidzwewo.