Shona Anglican Hymn 267 Makristu ngatifare
1. MAKRISTU ngatifare
Nomwoyo, nomweya, ne’zwi
Teererai izwi.
Nyaya! Nyaya!
Jesu Kristu wabarwa,
Ngombe dzinomukudza.
Zvino ari muzamba,
Kristu wabarwa,
Wabarwa nhasi.
2. Makristu ngatifare
Nomwoyo, nomweya, ne’zwi,
Makakomborerwawo.
Farai, farai.
Jesu Kristu wabarwa,
Kuzurura kudenga
Vanhu vari kufadzwa;
3. Makristu ngatifare
Nomwoyo, nomweya ne’zwi,
Zvino musatye guva
Runyararo,
Wabarwa Muponisi,
Anodaidza vese
Kugara kumba kwake.