Shona Anglican Hymn 232 Musha wedu wokupenya
1. MUSHA wedu wokupenya
Iwe une mbiri,
Unorunyararo rwese
Musha woMukuru:
Kare Vaprofiti vese
Vakakutunhidza.
2. Vanhu vako vanoimba
Kuti Areruya;
Nguva dzese vanofara
Vachifara vese;
Avo vese vari umo
Vakachena kwazvo.
3. Apo Tenzi ari Zuva
Rinopenya kwazvo,
Ndiye anodzinga dima,
Usiku hwapera.
Vanhu vake havaneti,
Havadi kurara.
4. M’viri unotambudzika,
Unova nesimba
Apo unosununguka
Mukurwara kwese,
Nokugara uchifara
Uchiva nembiri.
5. Ndizvo tora zvinorema,
Ukane, usatye.
Basa rako ragumiswa
Tuso harigumi;
Kuzorora nokufara,
Hakuperi apo.
6. Mbiri kunaMwari Baba,
Kuno Mukorore,
Kuno Mweya Unoyera,
Umwe muUtatu:
Mwari ane simba rese,
Mwari wedu wedi. Amen.