Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 232 Musha wedu wokupenya Lyrics

Shona Anglican Hymn  232  Musha wedu wokupenya

 

1. MUSHA wedu wokupenya

Iwe une mbiri,

Unorunyararo rwese

Musha woMukuru:

Kare Vaprofiti vese

Vakakutunhidza.

2. Vanhu vako vanoimba

Kuti Areruya;

Nguva dzese vanofara

Vachifara vese;

Avo vese vari umo

Vakachena kwazvo.

3. Apo Tenzi ari Zuva

Rinopenya kwazvo,

Ndiye anodzinga dima,

Usiku hwapera.

Vanhu vake havaneti,

Havadi kurara.

4. M’viri unotambudzika,

Unova nesimba

Apo unosununguka

Mukurwara kwese,

Nokugara uchifara

Uchiva nembiri.

5. Ndizvo tora zvinorema,

Ukane, usatye.

Basa rako ragumiswa

Tuso harigumi;

Kuzorora nokufara,

Hakuperi apo.

6. Mbiri kunaMwari Baba,

Kuno Mukorore,

Kuno Mweya Unoyera,

Umwe muUtatu:

Mwari ane simba rese,

Mwari wedu wedi. Amen.

Exit mobile version