Shona Anglican Hymn 218 Mudyari wandodyara
1 MUDYARI wandodyara
Mbeu pasi muvu;
Dzinogara mazuva,
Tsuri dzinobuda.
Dzakuriswa nezuva,
Mvura inokudza,
Michero inoibva
Kukohwa kwasvika.
Ngatitende mudyari
Anotipa mbeu;
Anodiridza mbeu
Anodziwandisa.
2. Ona Mudyari mumwe
Wakabairwesu,
Arikudyara mbeu
Izwi roupenyu.
Sangano riri munda
Mweya yedu ivu;
Mwari ngaafadziswe
Apo anokohwa.
3. Mumwe musi Mudyari
Achakohwa mbesa
Achauya nesimba
Navapwere vake.
Ndipo anourutsa
Hundi muzviyomo,
Achazopisa hundi
Nomwoto narini.
Mudyari unoyera
Uchava nomutsa
Pamusi wokutongwa
Ungatiponise.