Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 218 Mudyari wandodyara Lyrics

Shona Anglican Hymn  218  Mudyari wandodyara

 

1 MUDYARI wandodyara

Mbeu pasi muvu;

Dzinogara mazuva,

Tsuri dzinobuda.

Dzakuriswa nezuva,

Mvura inokudza,

Michero inoibva

Kukohwa kwasvika.

Ngatitende mudyari

Anotipa mbeu;

Anodiridza mbeu

Anodziwandisa.

2. Ona Mudyari mumwe

Wakabairwesu,

Arikudyara mbeu

Izwi roupenyu.

Sangano riri munda

Mweya yedu ivu;

Mwari ngaafadziswe

Apo anokohwa.

3. Mumwe musi Mudyari

Achakohwa mbesa

Achauya nesimba

Navapwere vake.

Ndipo anourutsa

Hundi muzviyomo,

Achazopisa hundi

Nomwoto narini.

Mudyari unoyera

Uchava nomutsa

Pamusi wokutongwa

Ungatiponise.

Exit mobile version