Shona Anglican Hymn 207 Handifaniri Tenzi mutsvene
1 HANDIFANIRI, Tenzi Mutsvene,
Kuti mupinde mumwoyo wangu;
Taurai izwi rine nyasha,
Rinosunungura vanyangadzi.
2 Handifaniri kushanywa nemi,
Mwoyo wangu uzere marara
Haubviri nokudongorera
Reva zvako izwi ndinorapwa.
3. Handimbofaniri; asi Tenzi
Zvandinyadza kukumisa panze
Wanga waisvondirongedzera
Kudya kwako kuzere upenyu.
4. Uya hako Tenzi ndingadini
Nditodyawo kudya kunoyera
Ndaichema zvinosirisa
Zvino mweya wangu chipembera.