Shona Anglican Hymn 200 Ndizvozvo Baba isu vana vako
1. NDIZVOZVO Baba, isu vana vako
Takuratidza Kristu mudikani,
Chipo chako chitsvene, Muteuro wedi
Usine wara.
2 Tinomupa pamsana pavakabva;
Isu tiri munhamo nokusuva,
Asi kunadzo hama dzinodiwa
Ipa zororo.
3. Vakabaiwa mukukana kwavo
Nganga yomweya rapa maronda’vo
Bvisa zvitadzo, bvisa mawara’vo
Uvachenise.
4. Ipa rujeko, ipa kuzorora
Kusingaperi. Uvatungamire
Apo Vatsvene vanoona Iwe,
Mwari mukuru