Shona Anglican Hymn 16 Zuva rapfuura
Zuva rapfura
Mibvuri zvino
Inokutondedza
Ngeusikuwo
Kwavazve kusvipa,
Kune nyenyedzi;
Dzinorara zvino
Mhuka neshiri
Jesu ndakuteta,
Ngadzizorore;
Ngechikomborero
Chako usiku.
Chengeta vapwere
Uponisezve
Vanhu vapanyanza
Mupfumvu dzese.
Unyaradze vese
Vari munhamo;
Kune venyangadzi
Bvisa mazano
Hondo dzengerosi
Ngadzitumirwe,
Kuti dzindikotse,
Ngemapapiro.
Ndizvo mangwanani
Ngandimukezve,
Ngekufara kwazvo,
Kwapiwa ndiwe.
Mbiri kunaBaba,
NokunaKristu,
Mbirizve kunewe
Mwari Mweya.Amen.