Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 16 Zuva rapfuura Lyrics

Shona Anglican Hymn  16  Zuva rapfuura

 

Zuva rapfura
Mibvuri zvino
Inokutondedza
Ngeusikuwo

Kwavazve kusvipa,
Kune nyenyedzi;
Dzinorara zvino
Mhuka neshiri

Jesu ndakuteta,
Ngadzizorore;
Ngechikomborero
Chako usiku.

Chengeta vapwere
Uponisezve
Vanhu vapanyanza
Mupfumvu dzese.

Unyaradze vese
Vari munhamo;
Kune venyangadzi
Bvisa mazano

Hondo dzengerosi
Ngadzitumirwe,
Kuti dzindikotse,
Ngemapapiro.

Ndizvo mangwanani
Ngandimukezve,
Ngekufara kwazvo,
Kwapiwa ndiwe.

Mbiri kunaBaba,
NokunaKristu,
Mbirizve kunewe
Mwari Mweya.Amen.

Exit mobile version