Shona Anglican Hymn 156 Mambo worudo, mufudzi
1. MAMBO worudo,
mufudzi Rudo,
nduramo zvese
Handizomboshai chiro
Ndiri wako narini.
2. Ninofudzwa murusvisvi
Ndichitungamirirwa.
Mweya wangu unogutswa
Nechidyo chokudenga.
3. Apo kana ndarasika
Mumukana worufu,
Tsvimbo yako nomundonzvo
Zvinogondinyaradza.
4. Mudima rokufa ndega,
Handizotyi kuipa,
Tenzi ari parutivi,
Anogondidzivira.
5. Wagadzirira tafura
Mberi kwemhandu dzangu,
Musoro wangu wazorwa,
Mukombe wazarazve.
6. Rudo rwako nomutsazve
Zvanditevera kwese.
Apo ndichiri mupenyu,
Ndiri wako narini.