Shona Anglican Hymn 150 Zita rake Jesu
1. ZITA rake Jesu
Tinoombera,
Mabvi apfungame
Pamberi pake;
Ndimi dzese dzese
Ngadzitunhidze,
Mambo wedu Jesu,
Izwi raMwari.
2. Zvese zvakasikwa
Ngeizwi rake,
Hondo dzengerosi
Dzinopenyisa
Nenyenyedzi dzese
Dziri kudenga:
Zvese zvinobvuma
Musiki wazvo.
3. Wakazvirereka
Kuti apiwe
Zita rine mbiri
Ngevanyangadzi:
Wakaritakura
Risine tsvina,
Wakaridzokesa
Kubva murufu.
4. Wakaritakura
Nokutendeka
Somukundi wedu
Kum’sorosoro!
Ndiye muponisi,
Ndiye Kristuzve
Unosiomberwa
Zvino narini
5. Ngatigadze Mambo
Mumwoyo yedu
Kuti akurire
Zvitadzo zvese:
Mumuite Tenzi-
Mururunziro
Muchafungatirwa
Mukuda kwake.
6. Hama, Tenzi Jesu
Achauyazve
Nembiri yaBaba
Nengerosiwo;
Mambo wavamambo
Tinomubvuma,
Kwidzai izwi renyu
Kumuombera.