Shona Anglican Hymn 149 Chokwadi Zita raJesu
1. CHOKWADI Zita raJesu
Rakanakisisa,
Runyararo kuMakristu,
Rinodzinga kutya.
2. Rinorapa mwoyo yavo
Mukutambudzika,
Rinoapa kuzorora
Nokudya kwomweya.
3. Zita rinodiwa kwazvo!
Rine nyasha zhinji,
Rinondidzivirirawo
Seshangu mupfumvu.
4. Jesu Muprofiti wangu
Mupristi naMambo
Ndiwe Tenzi, uri nzira,
Idi noupenyu.
5. Zvino mwoyo watonhora
Washaya kudziya
Asi, kana ndakuona
Ndichakudisisa
6. Dzamara paiyo nguva
Ndiparidze rudo,
Kunaka kweiro Zita
Kunzwike Mukufa.