Shona Anglican Hymn 142 Kwasara kunesu
1. KWASARA kunesu
Makore mashoma
Tisati tasanganiswa
Nehama dzakafa.
Tenzi gadzirawo
Mweya unemhosva
Ndisambe muropa rako
Ndisati ndatongwa.
2 Yasara kunesu
Nguva shomanana
Yokugara pasi pano
Tisati tatongwa
3. Yasara kunesu
Nhamo shomanana
Hakuna nhamo mumusha
Uko tichasvika.
4. Kwasara kunesu
Kurwawo nesimba
Kuita basa raMwari
Kurega zvitadzo.
5. Jesu achauya
Muponisi wedu
Wakafa kuti tipone
Tigare naiye