Shona Anglican Hymn 129 Baba ndiri kurasika
1. BABA ndiri kurasika
Ndiri kufamba mugwenga
Ndidzidzise kutaura,
“Kuda kwako ngakuitwe.”
2. Kuti nzira ichinetsa,
Ngandirege kupopota
Ndinamate soM’ponisi;
“Kuda kwako ngakuitwe.”
3. Kana ndiri kuchemera
Hama dzangu dzisisipo
Ngandireve nokutiwa
“Kuda kwako ngakuitwe.”
4. Kana uchibvisa zvese
Kuneni ndezvako Tenzi
Ndinokupa zvako zvese,
“Kuda kwako ngakuitwe.”
5. Mwoyo wangu ngaufadzwe
Ngekuuya kwoMweya,
Mwari ungaite zvese,
“Kuda kwako ngakuitwe.”
6. Simbisa mazuva ese
Kuda kwangu ukuite
Kufananidze nokwako;
“Kuda kwako ngakuitwe.”