Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 129 Baba ndiri kurasika Lyrics

Shona Anglican Hymn  129  Baba ndiri kurasika

 

1. BABA ndiri kurasika

Ndiri kufamba mugwenga

Ndidzidzise kutaura,

“Kuda kwako ngakuitwe.”

2. Kuti nzira ichinetsa,

Ngandirege kupopota

Ndinamate soM’ponisi;

“Kuda kwako ngakuitwe.”

3. Kana ndiri kuchemera

Hama dzangu dzisisipo

Ngandireve nokutiwa

“Kuda kwako ngakuitwe.”

4. Kana uchibvisa zvese

Kuneni ndezvako Tenzi

Ndinokupa zvako zvese,

“Kuda kwako ngakuitwe.”

5. Mwoyo wangu ngaufadzwe

Ngekuuya kwoMweya,

Mwari ungaite zvese,

“Kuda kwako ngakuitwe.”

6. Simbisa mazuva ese

Kuda kwangu ukuite

Kufananidze nokwako;

“Kuda kwako ngakuitwe.”

Exit mobile version