Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 30 Uyai imi vana uyai unganai Lyrics
1
Uyai, imi vana, uyai unganai!
Kumusha weBetrehema…..mose uyai!
Manenji aitwa panyika, onai!
NdiBambo vedenga vaita kudai.
2
Vatuma mwana’vo, waberekwapo;
Uyai, timuone maaiswa’mo;
Uvete mudanga; wakanaka sei!
Uyai vana, mose, mugwadamirei!
3
Maria naJos’fa ndivo varipo,
Vafudzi naivo vatosvikawo;
Vakanzwa vatumwa voimba:
Farai!
Chinzwai nemi mose, vachimuudzai!
4
Vatumwa vakati: Musatya, onai,
Mufaro mukuru ndowatomupai;
Onai, maponerwa mumusha uko
Wamakamboshuva wazosvikapo.
5
Wauya, tigoraramiswa naye;
Isu, tarashika, tigodzoswazve;
NdiMwana waBambo uvete apo;
Hendei Betrehema tinamateko!