Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 299 Mirayiro ine gumi (Exsodo 20:1-17) Lyrics
1
Mwari wakataura mashoko awa ose akati: Ndini Jehova Mwari wako wakakubvisa
munyika yeEgipita muimba youranda.
1. Usava navamwe vamwari kunze kwangu.
2. Usazviita mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri
kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi
penyika. Usafugamira izvozvo, kana kuzvishumira, nokuti ini Jehova Mwari wako,
ndiri Mwari une godo, ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo,
kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga ndichiitira nyasha
vane zviru zvamazana vanondida, vanochengeta mirayiro yangu.
3. Usareva zita raJehova Mwari wako pasina, nokuti Jehova haangaregi kupa
mhosva unoreva zita rake pasina.
4. Rangarira zuva resabata kuti urichengete rive dzvene. Ubate mazuva
matanhatu, uite mabasa ako ose; asi zuva rechinomwe isabata raJehova Mwari
wako, usatongobata mabasa naro, iwe kana mwanakomana wako, kana mwanasikana
wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana
mweni wako uri mukati mamasuwo ako, nokuti namazuva matanhatu Jehova wakaita
kudenga napasi negungwa, nezvose zviri mukati mazvo akazorora nezuva
rechinomwe. Naizvozvo Jehova wakaropafadza zuva resabata akariita dzvene.
5. Kudza baba vako namai vako, kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa
naJehova Mwari wako.
6. Usauraya
7. Usaita upombwe
8. Usaba
9. Usapupurira wokwako nhema
10. Usachiva imba yowokwako, usachiva mukadzi wowokwako, kana muranda wake,
kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe
chowokwako