Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 25 Nyeredzi iwe wopfuura dzose Lyrics
1
Nyeredzi, iwe wopfuura dzose
Tivenekere murima re…..du!
Woubvazuva, chiedza chavose,
Tiperekedze kuMwana Jesu!
2
Vamuradzika pakati pedanga,
Kwanga kusina ugaro nesu;
Zvino vatumwa vakabva kudenga,
Vakazokudza SHE wavo Je…..su.
3
Isu tichandomukudzawo neiko?
Ungafadziwa nefuma yei…..zve?
Ko tingadusa zvinofadza vanhu,
Zvose nyanguva zvinokoshe….. sa!
4
Izvozvo zvose hazvino mubato,
Ha’ngafadziwi nezvipo zvakadai
Chinofadzisa pameso aJesu,
Ndokumukudza nomwoyo ku…..dai.