Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 220 Mwoyo farira Lyrics
1
Mwoyo, farira,
Nyika nokudenga
Pano parwendo rwako.
Zvakanakisa
Zvose zvinobva
Uko kum’soro kwaBambo.
2
Dzinosiuya
Nhambo, nokuenda
Vanhu vachiteverana.
Rwiyo rwedenga
Runosinzwikwa,
Runotifadza parwendo.
3
Rwakavambiwa
Navatumwa vaSHE
Vachiimbira varisi:
“Bambo vakudzwe
Vanhu vafadzwe,
Kristu wazvarwa panyika.”