Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 165 Mweya wangu rangarira Lyrics
1
Mweya wangu, rangarira
Jesu Kristu wakufira;
Unokukokera zvino,
Kuti udye Chirayiro
Chakashanangurwa naye,
Ugopiwawo rugare:
Unodya muviri waSHE,
Uchinwawo ropa rake.
2
Chiuya-i maremerwa,
Nemi mose makanyara!
Ini, Jesu, ndinomuda,
Ndini ndinomuzorodza!
Bva mutende shoko rangu,
Kuti nousiku uhwo
Hwandakamutamburira;
Ndakaramba kuda kwangu!
3
Kristu Jesu, ndinotenda
Shoko renyu randakanzwa;
Zvivi zvangu, ndinoziva
Ndizvo zvakamusvavisa;
Ndokumbire kanganwiro;
Ndigobviswe mhaka dzangu;
Mundiise kuna Bambo,
Imi, Mumiriri wangu!
4
Ndinoziva munondida,
Zvivi zvangu makabvisa;
Zvino ndinoswederawo
Ndichipanga nyasha dzenyu.
Ndipei kudya, ndipei kunwa,
Ndigopiwa nemi simba;
Ndigomubatira kwazvo,
Ndimukudze ndichi pano!
5
Jesu Kristu, tinoonga,
Makatisimbisa zvino,
Namashoko omufaro,
Uye zviratidzo zvenyu.
Zvino mutitaririre,
Tichengetwe, tirindiwe,
Tigomushumira mberi,
Tichisvika uko seri!