Shona Anglican Hymn 62 Mweya wangu imba zvino
1. MWEYA wangu imba zvino
Nyaya yoMuponisi;
Iye wakafira isu
PaMuchinjiko wake,
Wakazvipa iye mbune
Kutenga vanyangadzi.
2. Onai ari kusungwa
Kusunungura vanhu;
Ropa rako rinokosha
Riri tsime retstsi,
Mbambo dziri kusungira
Isuwo pane muti.
3. Jesu ita ropa rako
Rimwiswe vanyangadzi;
Rive ruponiso rwedu
Nokufara kudenga;
Ndizvo pasi rakatendwa
Richakukudza Tenzi.