Shona Anglican Hymn 25 Uya, uya Emanueri
UYA, uya, Emanueri
Uponise varanda vako
Vanochemera pasi pano
Kuuya kwaMwariMwana.
Farai ! Farai ! Emmanueri
Achazouya kwamuri
Uya, uya, Tsvimbo yaJese
Sunungura vanhu vako;
Vakabatwa ndiSatani
Uvape mukundo parufu.
Haiwa, uya, Mambakwedza
Unyaradze mwoyo yedu;
Udzinge mibvuri yokufa,
Nokuuya kwako pano.
Uya, chipfigo chaDavidi,
Uzurure denga kunesu;
Tikotse panzira yedu,
Upfige nzira isiyo.
Uya, uya, Tenzi weSimba
Wakapa kare mitemo
Kuna vanhu vaIsraeri
MuUmambo hunotyisa.