Shona Anglican Hymn 148 Mweya wangu ngaunzwe hondo huru
1. MWEYA wangu ngaunzwe hondo huru
Dzengerosi dziri kuimbisa:
nenyanza.
Dzine masoko akanaka kwazvo
Euyo musha wakarurama.
Imi ngerosi imbisai
Munogashira vafambi vepasi.
2. Ngatiimbe dzichiri kundoimba
Kuti “Munodaidzwa naJesu”.
Kana tiri kufamba munedima
Tinonzwa zviimbo zveVangeri
3 Kare tinonzwa izwi roM’ponisi
Rinosvika panyika
Zvuru zvavanhu zviri kuremerwa
Vanouya kuna Tenzi wavo.
4 Tichawana kuzorora
Kudenga
Dima richabva, zuva ribude.
Tenzi acharipira rudaviro
MuJerusarema musha wedu