Shona Anglican Hymn 95 Mweya musiki tifemere
1. MWEYA Musiki tifemere,
Utungamirire mwoyo yedu
Wakatisika Mwari wedu,
Utipe simba rokudenga.
2. Unonzi iwe Munyaradzi,
Nechipo chokumsorosoro;
Upenyu hwomuwoyo wedu,
Mafuta okuzora mweya.
3. Zvipo zvinomwe zvokudenga
Utipe zvino Mweya Unoyera;
Uri chitsidzo chine simba
ChaBaba anesimba rese.
4. Uvenekere isu tese,
Utizadze une rudo;
Miviri yedu yakaziya
Upe simba renarini.
5. Udzinge zvino mhandu yedu,
Utipe runyararo rwako:
Hatichakundwi ndiSatani
Nokuti unotibatsira.
6. Munewe ngatizive Baba,
Ngatizivewo Mukorore;
Ngatikuzive Mweya wedi
WaBaba neweMukorore.
7. Ngatiremedze Mwari Baba
NoMukorore pamwe chete;
NoMweya ngatiremekedze
Nyamusi namazuva ese. Amen.