Shona Methodist Hymns
Hymn 300 Ishe baba titarirei Lyrics
Ishe baba titarirei,
Nedzo tsitsi dzenyu,
Isu tese tasangana
Tiri mberi kwenyu.
Inzwai kuchema kwedu
Tinosuwa kwazvo;
Onai kushaya kwedu
Tiitirei tsitsi.
Nyika yose yakaoma
Nokuoma uku,
Heyi mhuri ine nzara
Zvose zvinopera
Tiitirei tsitsi She
Tinovimba nemi;
Tokumbira mvura zvino
Kunyorozva pasi.