Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 264 Mwana angazive Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 264 Mwana angazive Lyrics

 

Mwana angazive
Kuti Mwari rudo,
Wakaruisa pachena
Pasi nokudenga

Kana ndatarisa
Kumabasa ake,
Ndinorava kwesekwese
Kuti Mwari rudo.

Maruva mazhinji
Anondidzidzisa,
Pamwe neshiri dzoimba
Kuti Mwari rudo.

Nenyenyedzi dzose
Dzinopenya kure,
Dzinondiudza zvaMwari
Kuti ari pedyo.

 

Exit mobile version