Shona Methodist Hymns
Hymn 258 Baba munotipa zvipo Lyrics
Baba munotipa zvipo
Zvakanaka zvakanyanya,
Tipei njere namasimba
Zvokushandisa zvose.
Tipei rugare pabasa,
Tizvibate pakufara;
Tishandise nhengo dzedu
Sokuda kwenyu, Mwari.
Bisai zvinonyadza zvose
Murudzi rwedu namamwe;
Mundikundire zviyedzo,
Simba razvo ripere.
Ivai nesu tisimbiswe
Pakushingirira kwedu,
Tigokunda mhandu dzose,
Tisanete pakurwa.
Tenzi wedu nguva dzose
Mutitungamire mberi;
Kuti nyika iponiswe
Tipei simba nenjere.
Baba ndimi matitsvaka,
Rudo rwenyu rwatibata,
Mweya wenyu watikomba;
Tinzwei Mwari wedenga.