Shona Methodist Hymns
Hymn 213 Baba wedu tinouya Lyrics
Baba wedu tinouya
Kuzonamata,
Kuti makatichengeta
Nokuda.
Imi makatuma Jesu
Munyika yedu,
Kuti munotida isu
Zvikuru.
Wakaparadzira isu
Rudo netsitsi;
Wakashuma kuti Mwari
Ndibaba.
Jesu akagotifira
Pamuchinjikwa;
Akagotiregerera
Netsitsi.
Zvakaipa zvedu zvose
Wakazvitora;
Mhosva dzedu wakaripa
Nokufa.
Baba tinokutendai
Kuti matida;
Tichaedza basa renyu
Nokuda.