Shona Methodist Hymns
Hymn 211 Nguva yakanaka Jesu Lyrics
Nguva yakanaka Jesu
Yokuuya kwamuri
Kuti tinzwe zvivimbiso
Zvarehwa nemi Ishe.
Muve nesu musi uno
Kuti tinzwe chaizvo,
Tibatise idi renyu
Ramazwi oupenyu.
Pfungwa dzedu dzizarurwe,
Tinangiswe kudenga;
Chokwadi chivhenekere
Kuti tisarasike.
Tipfavise, titivise,
Tirambe takashinga;
Tipei simba rokuita,
Zvinhu zvakarurama.
Matama enyu ngaave
Sembiriso muupfu,
Inoita basa ravo
Kuti upfu huvire.
Tinoda kuve zvapupu
Zveidi ratinaro
Kuti hama dzirinzwewo
Dzigozvizivirawo.